
Mudzimai wekuEpworth akafira mumba uye vana vake vaviri vakatsva zvakaipisisa mushure mekunge mukomana uyo anodanana nemwanasikana wavo apisa imba. Mukomana anonzi akanetsana nemwanasikana wavo akatsamwa zvakamutuma kuti anopisa imba yaamai ava. Mhuri yemufi iri pakuchema apo vana vari kuchipatara.