
HUWANDU hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa munyika muno uye nevari kufa hunoratidza kuti huri kukwira zvishoma kubvira nemusi weSvondo kana zvichienzaniswa nenguva pfupi yadarika.
Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 39 vakawanikwa vaine chirwere ichi uye vashanu vakafa zuva iri.