
Zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika zviuru zana nemakumi manomwe nesere, izvo zvine magwaro akapihwa nehurumende yeSouth Africa, kana kuti ma permit ekushande munyika iyi zviri pamutemo zvakatarisana nekudzingwa munyika zvisinei nekuti magwaro avo akamira sei, vari kuzotandaniswa mukupera kwaChikumi.
Hurumende yeSouth Africa yakatozivisa zviri pachena kuti iri kuzomisa magwaro eZimbabwe Exemption Permits mukupera kwaJune, anodaro Thuso Khumalo.
Iyi iyambiro yakakura iri kupihwa zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvifane kutiza munyika iyi nokuti nguva iri kuuya hapasi kuzivikanwa kuti chii chichazoitika, vanhu vanogona kuitwa yese yese nechikwata cheDudula, Hurumende yeko yakatarisa vanhu vachiurayiwa nokuti vanenge vachiti takakuudzai nguva ichiripo.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?