
Zvinhu zvinokwana $10 000 zvakatsva kuita madota apo night club, butchery neresitorendi zvakabatira moto paMabelreign Shopping Centre manheru.
Zvinhu zvemagetsi zvaisanganisira maTV 13, stove yemachips, mapoto nemidziyo yemagemhu, Night Club neRestaurant zvakapiswa.
Chakazokonzeresa midziyo yemagetsi itsve, magetsi idzimwa achibatidzwa ka3 nekambani yeZESA
Vanhu vakati wandei vakasara vachipomera Zimbabwe Electricity Supply Authority mhosva yekukanganisa zvigadzirwa zvemagetsi pavaidzima nekubatidza magetsi.
Machips fryer anoratidza kuti ndipo pakatangira moto nekuti anga atsva zvakanyanya.
Vanhu vemunharaunda vakazongopawo zano kuti ZESA inogona kuzivisa vanhu nguva yekudzima magetsi kwete zvekuzodzima.
Chitoro glass nenzvimbo yakagadzirirwa ngano zvakaponeswa pamoto uyu nepo butchery, nzvimbo yekugochera neresitorendi yakatsva kusara ari madota.
Mapurisa aito rekodha zvirevo kubva kune vakaona tsaona iyi ichiitika.