
MURUME anogara mumusha weTshabalala, kuBulawayo anoti agere muchoto chaimo nemudzimai wake uyo anomuoneka kuti achambonoona zvikomba zvake, kana odzoka kumba ouya nazvo uye iye akasimudza musoro obva adhonorwa kurohwa — ari pamba pake.
Nhlanhla Ndlovu anoti amboshingirira nekushungurudzwa uku asi nekuda kwekuti zvanyanya, afunga kuzvifumura uye akatonopotera kudare redzimhosva achitsvaga kudzivirirwa kuti asarambe achidashurwa pamwechete nekutukwa.
Ndlovu akatokwidza nyaya yekushungurudzwa kwake kudare redzimhosva reWestern Commonage Court achiti mudzimai wake Memory Moyo anoti kumutuka uye kumukutsirana kumurova nezvikomba zvake izvo anouya nazvo pamba pavo