
Vakuru veZANU PF vanga vava kuda kupotserana zvibhakera vachirwira basa rokugadzira mugwagwa kuBanket, izvi zvinouya mushure mekunge mutungamiri wevechidiki apomedzera district chairman, anova zvakare councillor wenzvimbo kutsigira musqngano wava Nelson Chamisa.
Never Hutepasi, anova sachigaro wedunhu reBanket uye kanzura weWard 22, ayambirwa kuputitswa nezvibhakera apo vechidiki vebato reZanu-PF variku mupomera mhosva yokudyidzana nemumiriri weMDC Alliance.
Zvirikunzi Sachigaro ava mutengesi arikurwisa kuona kuti Zanu PF iri kutonga yakundwa musarudzo dzenyika dzichaitwa muna 2023.
Sachigaro wevechidiki, VaSteven Zidana vayambira kukwapayidza Hutepasi mushure mekunge atsamwiswa nemhinduro yaVaHutepasi pachikumbiro chekupa vechidiki veZanu PF mabasa.
Zidana ainge akumbira councillor wavo weZanu-PF kuti pachirongwa chehurumende chekugadzirisa migwagwa kuBanket ape basa racho kune vechidiki veZanu PF, iye ndokubva aregera zvake ndokupa basa racho Company yakazvimiririra inozivikanwa nokita basa iri ndokubva zvaita kuti anzi mutengesi.
Hutepasi ati: “Hatigone kumanikidza munhu ane company yake yakazvimiririra yoga kuti ashande nema youth eZanu-PF, asi isu tinogona kungokumbira kwaari kuti ashande navo kana asingadi haisi mhosva vaine.”
Mhinduro yacho yabva yaita kuti Zidana agumbuke ndokubva ada kupinda mumaoko achida kurova Hutepasi, ndokubva azomutuka tuka.
“Iwe wakapusa kwazvo! Ungaunzire sei MDC nzira yekuita zvinhu muZanu PF? Unoda here kuti bato redu rirasikirwe nemavhoti musarudzo dza2023? Ini pachangu handikubvumire kuti uzviite, uri mutengesi,” anodaro Zidana.
Hondo iyi yamuka pamusangano waitwa zvirikunze kwemutemo, uyo maporisa azosvika ndokubva atonhodza vanhu nokuvadzingira kudzimba dzavo.
— NewZimbabwe