
Nezuro musi weSvondo vanhu vakange vaine confusion chaiyo apo makereke aive akavhurwa kune avo vakabayiwa majekiseni maviri ecovid.Vanhu vaive kumakereke vaive vashoma zvikurusa uye makereke mazhinji aitove akavharwa.
Svondo rapfuura,hurumende yakabvumidza vemakereke kuti vavhure asi kune avo chete vakabayiwa majekiseni maviri,asi Newsday ichiongorora nezuro yakaona kuti makereke akagara ariko kubva kare kose akaita seRoman Catholic,Anglican uye Reformed Church in Zimbabwe haana kuvhura.
Vamwe vemakereke vakataura neNewsday vakati vanhu vazhinji vaive vagere kudzimba dzavo sezvo vasina kubayiwa nhomba uye vamwe vakanga vachiri kugadzirira kuti vakwanise kuzobatirana nevamwe.
Zvakadaro nokuda kwemutemo wehurumende,maApostolic vakaenda kumakereke munyika yose.Vanhu vaive vakatogara pasina social distance uye vasingateedzeri hutsanana.
Newsday yakaona zvakare kuti vanhu vaive vasina mavaccination cards vaitopinda mukereke.
Madzibaba Shepherd Nzira veZvakazarurwa Zvevapostori Church vakaudza Newsday kuti vateveri vake vakundikana kuuya kukereke nokuda kwekusabayiwa nhomba.
Takatovhura WhatsApp group iri kutibatsira kuita minamato yedu.
Zvisinei vateveri vekuJohane Masowe WechiShanu WeAfrica Church vakauya kukereke nehuwandu hwavo paPamatank kwaMutare.
“Takakumbira hurumende kuti ibaye vanhu nhomba uye tiri kutarisira kuti zviitwe svondo rinotevera,” anodaro Zimunya Makururu.
KuProphetic Healing and Deliverance Ministries inotungamirwa naWalter Magaya kwaive kusina vanhu sekutaura kweNewsday.