
Video ririkutenderedzwa pa +263775934930 WhatsApp group parikuonekwa vashandi veZupco vachitsanangura zvirikuitika kuKambani iyi.
“Parizvino tatova ne2 months tisina kupihwa mihoro yedu, tirikungoshanda zvinobhohwa tava kutombomira kuenda kumabasa kusvikira zvagadziriswa”, anodaro Driver weZupco.
“Ndakambobvunza vakuru vedu vakati employer kuti zvirikumbofamba sei kuti tisawane mihoro yedu, ndokubva vatipindura kuti hapana mari irikuunzwa neZupco nesuwo ndiyo yatakamirira”, anodaro mumwe zve driver weZupco.
Mabhazi eZupco arikufamba zuva nezuva achiita mari, saka mari yavanenge vachiita irikuenda kupi? Zvingangodaro kuKambani iyi kwatotanga huori kureva kuti mari yose yava kutodyiwa nevanhu vaviri vachiipedza voga vasingapi vamwe.
Hona video riripazasi!