
Sangano reZimbabwe Passenger Transport Organisation (ZPTO) ranyorera Hurumende tsamba richikumbira kuti vemakombi vatenderwe kufamba zvichitariswa kuwandisa kwaita vafambi nokuda kwekuvhurwa kwezvikoro, izvi zvinouya mushure mokunge zvikoro zvavhurwa vana vanoda kukwira zuva nezuva vachienda nokudzoka kubva kuzvikoro zvavo.
Izvi zvinouya mushure mekunge Hurumende yazivisa kuti kufamba pakati peguta kwaibvumidzwa chete kupera kwesvondo rapfuura kuchitakurwa vana vezvikoro.
ZPTO yanyorera Hurumende kuburikidza nebazi rezvekutakurwa kwezvinhu pamwe nekusimudzirwa kwezvivakwa.
Mushure mekurerutswa kwe lockdown uku, vanhu vakawandisa vachange vachifamba zvakapetwa kaviri vachida transport, zvichireva kuti dambudziko rekushaya zvokufambisa richawedzera.
Mune chinyorwa chakaburitswa neMugovera, mapurisa akati kufamba kusina tsarukano hakutenderwi zvachose.
Zupco yakazivisa kuti yaizowedzera mamwe mabhazi ayo anosvika makumi mashanu 50, kuti ideredze matambudziko ezvekufambisa.
— The Herald