
Sangano reSchools Examinations Council (Zimsec) rinoti rawedzera nguva yakatarwa yokunyoresa vana bvunzo dza November, kusvika muna July 30, 2021, unemukana wekunonyoresa mwana wako.
Zimsec yakanga yatara musi weChishanu chapfuura semusi wekupera kwevanenge vachida kunyoresa bvunzo dzeGrade 7, Ordinary Level neAdvanced Level.
Kuwedzerwa kwemazuva okunyoresa awa kwauya mushure mokunge zvacherechedzwa kuti vanhu vanga vachivhiringidzwa nemitemo ye Lockdown kuti vabate nguva yokunyoresa.
Mutauriri weZimsec, vaNicky Dlamini ati: “Kunyoreswa kwanga kwavharwa musi wa 9 July. Taona zvakakodzera kuti tipe vanhu mukana wekunyoresa vana vavo kusvika musi waJuly 30, 2021.”
VaDlamimi havana kuda kubudisa huwandu hweavo vaive vanyoreswa kusvika musi wa 9 July, asi zvinoratidza kuti number yavo yanga ichirishoma ndokusaka vawedzera nguva iyi.
Hurumende inowedzera ma-fees, O’ Level student with seven subjects is expected to pay Z$5,194, while candidates for three A’ Level subjects must part with Z$3,240. For many parents and guardians, the exam fees are too steep.