
Chikamu chechipiri chechirongwa cheZimbabwe-Belarus Farm Mechanisation Programme chakaparurwa muHarare nezuro mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti kuwedzera kwekudyidzana pakati penyika mbiri idzi kunogona kubatsira kusimudzira nyika pamwe nekusimudzira maIndasitiri.
Zimbabwe neBelarus dzakanyoreranawo zvibvumirano zvisere munyaya dzedzidzo, kurima pamwe nekudyidzana munyaya dzehupfumi pamabiko aitungamirwa naPresident Mnangagwa nemumwe wavo VaAleksandr Lukashenko vekuBelarusian kuState House nezuro.
Vachangopedza kusaina zvibvumirano izvi, vatungamiri vaviri ava vakabva vaparura chirongwa cheSecond Phase cheFarm Mechanisation Programme kuMinistry of Agriculture Institute, uko Zimbabwe yakaunza mamwe matarakita 1 300, 14 macombiner harvesters nemadisc harrows.
Chikamu chekutanga chakaona matarakita mazana mana nemakumi manomwe nemana, 60 macombiner harvesters, 210 planters nemarori 5 emibhedhi mishoma achiunzwa munyika achipihwa kuvarimi kuburikidza neLand Bank neCBZ.
Mutungamiri weBelarus vogadzirira kupa mutungamiri wenyika President Mnangagwa kiyi yekufananidzira panguva yekuparurwa zviri pamutemo kwechikamu chechipiri cheBelarus Mechanisation Facility paInstitute of Agricultural Engineering kuPomona, muHarare.
Vachibvunzurudzwa nevatapi venhau vekuBelarus nezve maonero avanoita nyika yekumabvazuva kweEurope, President Mnangagwa vakati Zimbabwe ine zvakawanda zvekudzidza kubva kuBelarus kunyanya munyaya dzekurima nehunyanzvi.
President Mnangagwa vachitaura vanoti, “Ndakatanga kushanya kuBelarus pandakatumwa ikoko nevaimbova shefu vangu, mushakabvu Mugabe muna 2015 ndokuzoshanya zvakare muna 2019. Ndakaona kuti bazi rezvekurima rainyanya kushandiswa nemichina yachizvino zvino muBelarus, inyika diki ine vanhu vangangosvika 9 miriyoni asi vanozvirimira chikafu chinovakwanira ivo nekutengesera dzimwe nyika.”
Zvibvumirano zvisere zvakasainwa nezuro zvinosanganisira kuumbwa kweJoint Permanent Commission uye Memorandum of Understanding ine chekuita nekucherechedzwa kwezvitupa zvedzidzo.
Zvimwe zvibvumirano zvakasainwa zvinosanganisira Promotion and Reciprocal Protection of Investments, chibvumirano cheAvoidance of Double Taxation uye Prevention of Fiscal Evasion with Respect to Taxes on Income and Property.
Chibvumirano pakati peHarare neMinsk, guta guru reBelarus, chakanyoreranwawo pamwe nechibvumirano pakati peHurumende yeZimbabwe, ichimiririrwa negurukota rezveminda nekusimudzirwa kwemaruwa, Dr Anxious Masuka, chekubatana mukupihwa zvematarakita nemidziyo yekukohwesa zviyo.