
Kudzimwa kwemagetsi muZimbabwe kwava padanho rakaipa chaizvo zvekuti vagari vemu Harare vari kungowaniswa magetsi arikuunzwa pakati pehusiku vanhu vakarara ekuchajisa ma4ni avo chete, magetsi acho arikuzomukirwa kudzimwa zvakare vanhu vachiri vakarara zvokuti ukatadza kupepuka pakati pehusiku magetsi acho hauaoni.
Asi iyo Zesa yazivisa kuti iri kufungidzira kuti kudzimwa kwemagetsi uku kunogona kupera mangwana musi wa20 Kurume mushure mekunge kambani yemagetsi yatanga kugaya mamwe magetsi anosvika 300MW pachiteshi chemarasha cheHwange.
Unit 8, iyo yave pedyo nekupedzwa uye inotarisirwa kuendesa mamwe mazana matatu eMW, ari kutarisirwa kutanga muna Kubvumbi, VaGeorge Manyaya vanodaro.
Zvizvarwa zveZimbabwe pari zvino zviri kunetsekana nekudzimwa kwemagetsi kwemaawa anosvika gumi nemasere nekuda kwekushomeka kwekugadzirwa kwemagetsi pachiteshi chemagetsi cheKariba, uye kusashanda zvakanaka kwemagwenya eHwange asakara uye kutadza kweZESA kubhadhara magetsi kubva kunze kwenyika.
NeChishanu, Zimbabwe yaigadzira 315 MW kuHwange, 241 MW kuKariba uye 11 MW pachiteshi chemarasha cheHarare Power Station inosvika 567 MW isati yatenga kunze kwenyika pamwe nemagetsi kubva kune vagadziri vakazvimirira.
Chikamu chitsva chegwenya reHwange chichawanisa Zimbabwe zvikamu zvinodarika gumi nezvina kubva muzana kusvika pa2,400 MW.
Hurumende inoti magetsi ari kudiwa zvikuru munyika i1,700 MW.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?