
Zimbabwe Energy Regulatory Authority (ZERA) yambomira kuzivisa mutengo mutsva wefuel, ichazozivisa nekufamba kwenguva.
Parastatal iyi iri kutarisirwa kuzivisa mitengo mitsva yemafuta nemusi wechishanu mwedzi wega wega zvinoenderana neStatutory Instrument 270 na2019.
Nemusi weMuvhuro mangwanani, Zera yakati iri kuongorora zviri kuitika mumisika yepasi rose uye ichazivisa pamitengo mitsva nenguva yakafanira.
Zvisinei, nekuda kwezviitiko zviri kutora nzvimbo, Zera ichaburitsa chinyorwa chemitengo yefuel yaGunyana 2021. Zera iri kushanda nesimba kuti mitengo yemafuel yemwedzi iziviswe uye iri kutarisisa mafambiro ari kuita pamisika yepasi rose yemafuta apo ichikurukura nevatengesi vemunharaunda nezvekukanganisa kuri kuita zvinhu pamitengo yepapump.
Vanoita zvekutengesa fuel vanokurudzirwa kuti varambe vachitengesa maringe nemitengo yefuel yaNyamavhuvhu 2021 apo kutaurirana kuri kupera. Mitengo yemafuta yaGunyana 2021 ichaziviswa nekufamba kwenguva. ”
Mutengo wefuel wepapump wemuna Nyamavhuvhu ndeuyu Blend $ 117 kana US $ 1,37 uku diesel riri $ 114 kana US $ 1,33.
Kunyangwe hazvo mitengo yefuel ichitengeswa nemari yemuno, fuel yacho kana yakutengwa inotengwa nemari yekunze.
Hurumende yakati iri kuongorora vanotengesa fuel vanowana mari yekunze muReserve Bank of Zimbabwe auction system, asi vachiri kutengesa pefuel vachishandisa mari yekunze chete.