
Hondo yemashoko yakamuka pakuvigwa kwamushakabvu sachigaro wedunhu reZanu PF mudunhu reMatabeleland South Rabelani Choeni apo mhuri nebato zvakapesana pamusoro pahurongwa hwekuvigwa komushakabvu uyu.
Choeni akafa nechirwere cheCOVID-19 nemugovera wadarika uye akanzi igamba redunhu. Aifanirwa kuvigwa nhasi sezvainge zvarongwa nebato reZanu-PF, asi mhuri yomushakabva yakazvidza hurongwa uhu ndokumuviga nezuro.
Mhuri iyi inonzi yakadzinga vakuru vakuru kubva kuhofisi yebato repurovhinzi uye neHofisi yeMutungamiri wenyika, vachiti vose ava havana dhiri pakuvigwa kwemwana wavo.
“Ndini sekuru vaChoeni uye ndatora danho rekumuviga ndega pasina Zanu-PF. Ndichamuviga mumaminitsi mashanu,” akadaro Ntuweleni Choeni, sekuru vemushakabvu.
“Kana paine mapepa avari kugadzirisa kana chero zvavari kuita, vanogona kuzviita mushure mekunge tamuradzika”.
“Akafa mazuva mashanu apfuura uye hapana watinogona kumirira.” “Hakuna vamiriri veZanu-PF vatirikuda pano uye tiri kuenderera mberi nehurongwa hwedu.”
NewsDay inoziviswa zvine mutsindo kuti vakuru vebato riri kutonga reZanu-PF, avo vaisanganisira Senator Tambudzani Mohadi, MP weBeitbridge Proportional Representation MP Metrine Mudau nevamwe vemudunhu neveCentral Intelligence Organisation vakadzingwa parufu uru voronga zvavo vega vachishandisa simba rebato.
Gurukota rinoona nezvedunhu reMatabeleland South, VaAbednico Ncube, avo vaitarisirwa kutungamira nhaurirano nemhuri iyi, vakati vari mu-lockdown ye COVID-19 — Newsday