
Linda Sokhela ane makore makumi matatu haatombotye makuva.Anoshandisa guva somubhedha wake.
Ndinotonzwa kupombonoka ndiri pamusoro peguva,Linda anotaurira Daily Sun.
Anoti haana pekugara kwemakore mashanu.
“Kubva zvakafa vabereki vangu mutsaona yemotokari muna 2014,ndaigara nehama yangu asi akazotengesa imba yake saka ndaifanira kubva”,anodaro.
Ndakatombogara nedzimwe hama dzangu asi dzaindishungurudza.Ndakasarudza kuenda mumugwagwa kuti ndiwane kurarama.
Anoti airara pasi pebhiriji kuti awane kurarama kusvika apo iye neshamwari dzake vakazowana pekurara kuLanglaagte Cemetery.
Ndaimuka ndichirwadziwa nemuviri sezvo tairara pamhene.Ndakaona guva raive rakanaka uye ndakaedza kurara ipapo husiku.Ndakarara semwana mucheche.
Ndisati ndarara ndinokumbira muridzi weguva kuti andichengetedzewo.Ndakarara ndinorota ndichidya neshamwari yakanaka chose.
Handinatsomuone asi ndinovimba ndiye wandinorara naye.Ndave kutsvaga basa kuti ndichinje raramo yangu.