
Mushure mekufa kwemurume wake, hupenyu hwaRuth Ndlovu hwakanga husingatsungiririki sezvo vatezvara vake vakamupomera kuti muroyi akauraya murume wake.
Vatezvara vake vanomuda kunze kwemhuri uye dzimwe nguva vanokanda mbatya dzake panze Vakamupa ziviso yemwedzi mitatu yekubuda mumba memhuri yavo.
Akatarisana nemamiriro ezvinhu asingatsungiririki aya, Ruth aifanira kunyorera gwaro redziviriro kuna vatezvara vake vanosanganisira munin’ina wemurume wake Vumani Moyo.
Kubva zvakafa murume wangu, ndakatarisana nekushungurudzwa. Hama dzemurume wangu dzakasvibisa zita rangu pakati pehama dzangu nevavakidzani sezvo vachindipomera kuti ndakauraya murume wangu. Vakanditi ndiri muroyi uye izvi zvakandishaisa mweya.
Vanewo tsika yekunditi ndiri muroyi anodya nyama yemunhu. Ndinonamata kuti dare rinoremekedzwa iri rindipe gwaro redziviriro kuna vatezvara vangu kuitira kuti vazorega kundishusha pamwe nekundidzinga pamba. ”
Mutongi wedare ramejastiriti Jeconia Prince Ncube akapa Ruth gwaro redziviriro kuna Vumani Moyo nehama dzake. Gwaro redziviriro rinovarayira kuti vasatuke Ruth nekutaura. Vakarairwawo kuti vasamudzinge pamba.