
Josphat Sachota (39), weMusha weSatuku uri pasi paSabhuku Saunyama kuNyanga akasungwa nemapurisa mushure mekunge anzi akatema baba vake vaive nemakore makumi manomwe (70) kusvika vafa mushure mekumupomera mhosva yekuva nezvidhoma.
Alois Tanyanyiwa Sachota akatemwa nematombo mukadzi wake aripo achibva afira ipapo.
Mutauriri wemapurisa kuManicaland Inspector Luxson Chananda vanotsinhira nyaya.
Musi wa30 Chivabvu kuma5 dzemasikati, Alois aive munzira achibva kubindu aine mudzimai wake Mary Durukwa (46), apo Josphat akamhanya akananga kuna baba vake avo vaaipomera mhosva yekuva nezvidhoma. Ndokutanga kuvatema nematombo vakafira ipapo.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kuNyamaropa Police Station zvichiita kuti Josphat asungwe