
Mudzimai anogara mumusha weStoneridge, muguta reHarare, akasara abatira chidimbu chenzeve yake mumawoko mushure mekurumwa nemukadzi muvakidzani apo vairwira makuhwa ane chekuita nekupumhana huroyi.
Mai Kegi Mangare (45), avo kumusha vanobva kuKaroi, vanoti vakarumwa nzeve yavo yekurudyi nemuvakidzani wavo uyo akaidambura, ndokutozoita yekusvipa pamwechete neropa. Vanoti nyaya iyi yakatangira pakuti muvakidzani wavo uyu (zita tinaro) aivapomera kuti vaifamba vachiparidzira mashoko ekuti muroyi.
“Kubva tichiuya muno nemurume wangu nemhuri mugore ra2016, takawana amai ava nemhuri yavo vari muno vatovaka ndokusvikoita muvakidzani wavo. Hatina kusvikowirirana, taingogara tichipopotedzana nekuda kwenyaya dzisina nematuro.
“Nyaya iyi yakazotanga svondo rakapera neChina apo vakauya nemhuri yavo ndokupinda mumba mangu nechisimba vakatanga kundirova,” vanodaro Mai Mangare.