
Gurukota rezvekunze kwenyika yeUkraine, VaDmitry Kuleba vozivisa kuti nyika dzose dzisiri kubatsira nyika yeUkraine mukurwisa Russia dzichazozvidavirira nerimwe remazuva, uye icharangarira vose vakaibatsira
“Zvisarudzo zvemarudzi ose akaitwa panguva yekushanda kwemauto eRussia muUkraine zvicharangarirwa mukuvaka hukama hwemangwana. Nyika dzakashata munguva yehondo iyi uye dziri kutibata zvakaipa, dzichabhadhara muripo,” vanodaro VaKuleba.
VaKuleba vakapopoterawo nyika dzekumadokero nekunonoka kupa Ukraine zvombo, vachiti zuva rega rega painonotswa kuunzwa zvombo, mamwe mauto eUkraine aifa.
Russia yakapindurawo chiziviso ichi kuburikidza negurukora rezvekunze rekuRussia, Maria Zakharova avo vakati, “VaKuleba vave kuda kutyisidzira pasi rose.”
By Makhoti
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?