
Chiitiko chikaitika mumaziso memwana ane makore 10 ekuberekwa wekuChiredzi uyo akaona baba vake vachiurayiwa nemunhu aive akadhakwa, izvi zvichanetsa mwana uyu kupere mundangariro dzake.
Andsern Sibanda (32) wemumusha weMatsvati akatiza mushure mekunge arwisa akauraya Gumhani Dike (36) wemumusha wePanganai pasi pa sabhuku Mupapa, nzvimbo yaSabhuku Sengwe apo mwanakomana wekupedzisira akatarisa musi waAugust 11, 2021.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo Inspector Kudakwashe Dhewa vanotsinhira nyaya iyi uye vakumbira veruzhinji kuti vabatsire mapurisa kana paine angava neruzivo runogona kuita kuti mhondi iyi isungwe.
Vanoziva nezvechiitiko ichi vakati Dike aive munzira achienda kuChomupani Business Centre aine mwana wake apo akasangana naSibanda uyo anonzi aive akadhakwa.
Dike anonzi akamhoresa Sibanda uyo anofungidzirwa kuti aive akadhakwa, Sibanda ndokubva ati wandimhoroserei, ipapo Sibanda akabva atanga kurova Dike nedombo akaribata mumaoko kakawanda kusvikira afa.
Sibanda akabva atiza munzvimbo iyi uye mwana waDike uyo aive akatarisa baba vake vachiurayiwa akabva amhanya kunomhan’ara nyaya iyi kune mumwe wevagari vemumusha umu, uyo akazomhanyira pachiitiko ichi ndokutora Dike omuendesa kuChomupani Mission Hospital, but it was too let Dike akanga atopera basa kare ndokubva afa, mangwana acho nyaya iyi ndokubva yamhan’arwa kumapurisa. — TellZim