
Kutanga kwemwedzi waChikunguru mapurisa ekuBulawayo akasunga vanhu 31 000 nechikonzero chekusatevedzera mitemo yeCovid 19 uyezve vakasunga vedzimotokari vanosvika 382.
Mutauriri wemapurisa Provincial, lnspector Abedinico Ncube vakataura kuti kune vazhinji vakasungwa, vakasungirwa mhosva yekutyora mutemo wecurfew, kupfeka mask zvisakafanira nekushandisa zvifambiso
zvisiri pamutemo zvisina kufanana
nemaZupco
Vakatauraivo kuti mapurisa acharamba
achiona kuti mitemo iri kutevedzerwa zvakanaka. Kune vachatyora vachasungwa.
VaNcube havasi kufarira vanhu vari kunwa nokuputa mudzimotokari nekunze kwemabhawa.
Vakatendera hurumende kuti ichengete mashoko ainenge yapiwha nemapurisa maringe nezvinenge zvichiitika munharaunda dzatigere.