
Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuMozambique, mangwanani ano, mapurisa ari kupfura vagari vemo nemabara chaiwo pamwechete ne-erubber uye kukanda tear gas kuti vamise kufora kwekupemberera hupenyu hwaAzagaia, muimbi ane mukurumbira wekuratidzira uye mutsoropodzi weHurumende akafa svondo rapfuura. Mimhanzi yeAzagaia inofarirwa zvakanyanya nevechidiki veMozambique.
Kufora kwekurangarira Azagaia kuri kuitika mumaguta makuru ose eMozambique nhasi. Kufora uku kunoonekwa sechirevo chakakomba chekupokana neMutungamiri Filipe Nyusi. Azagaia anga ave nemakore 38 akafa nepfari. Akaimba nezvekubiwa kwemari yehurumende uye huori.
Mapurisa anodzivirira mvongamupopoto akashandisawo tear gas kuparadzira mhomho yevanhu vaifora panguva yekuvigwa kwake neChitatu. Azagaia aionekwa segamba revanhu nekuda kwekushoropodza kwake pamusoro pehuwori izvo zvakonzera hurombo hukuru muMozambique zvichisiya vagari vachitambura zvikuru!
Kuti uone zviri kuitika kuMozambique pinda muJolas WhatsApp Group.
Hona Zviri Kuitika KuMozambique
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?