
MDC Allince, Last Tamai Mavengahama uyo akasungwa mugore ra 2011 nevamwe vanhu ve MDC vachipomerwa mhosva yokurova mupurisa kusvika afa, ndokuzoburitswa mwedzi miviri yapfuura vachinzi havana mhosva makore ose awa vakavharirwa muchitokisi chezvematongerwo enyika.
Mavengahama akadhonza 9 years arimujere! Anoti akarohwa zvakaomarara ndokugurunurwa mazino maviri mumwe wake ndokutyorwa ruoko.
Mavengahama akanga ari Councillor weku Glenview uko kwakarohwa mupurisa akafa, musi wakaitika chiitiko ichi Mavengahama akanga arikuchechi, asi nyaya yakazobheurirwa kwaari nemhaka yokuti aive mutsigiri mukuru anonyanya kuzivikanwa muGlenview.
Audio achitsanangura nyaya inosiririsa kurohwa kwavakaitwa pamwechete nokushungurudzwa muruoko rwevaimbove President wenyika ino vaMugabe.
Kuti unzwe zvizere nezvakaitika downloader audio yanhasi irikutenderedzwa pa +263775934930 WhatsApp group.