
Vanhu vakawandisa vakasungwa muTimes Square apo vairatidzira kuuraiwa kwakaitwa Tyre Nichols nemapurisa zvinehutsinye apo aiedza kumusanga.
Vanhu ava vakaratidzira mushure mekuona video rakabudiswa nemapurisa emuMemphis richiratidza kurohwa zvakaipisisa kwaiitwa Nichols kusvikira afa.
Tine video rekurohwa kwake nemapurisa uye repaaiedza kukumbira rubatsiro mushure mekurohwa uku apo mapurisa aisamubatsira.
Video rechipiri nderekusungwa kwaiitwa vanhu vairatidzira kuuraiwa kwaNichols vachipwanya motokari yemapurisa muTime Square, New York.
“Haisi nzira yaunosunga nayo munhu asina mhirizhonga,” anodaro chipangamazano wezvemitemo, Alfred Titus, paakabvunzwa kana kushandiswa kwechisimba kwakaitwa nemapurisa mashanu akasunga Tyre Nichols kwakakodzera.
By Makhoti