
Pa-video riri kutenderedzwa paJolas’WhatsApp group parikuratidza kuti zvinhu hazvisisina kugatsikana muUkraine sezvo mauto eRussia asvika nehuwando hwawo mudhorobha reIrpin.
Vagari varikuonekwa pa-video rino vakatakura vana vadiki vachimhanya nemusango vachinosvika pavarikufanira kuyambuka vachiwana bridge rabvarurwa kuseri kwakatozara mauto akapakatira zvombo.
Zvatirikutsanangura izvi ndizvo zvatirikuona pa-video rino ratatumirwa nema journalist arikuita basa rekutapa zvirikuitika sezvo ivo vasingazo pfurwi, asi ukaita munyama unogona kungobatanidzirwa kuitwa hwetsuro negwenzi rayo.
Residents carrying small children and pets flee the town of Irpin, near the Ukrainian capital of Kyiv, as Russian troops advance https://t.co/Pb3QPu6ezy pic.twitter.com/HiEjx4WgKp
— Reuters (@Reuters) March 8, 2022