
Mapurisa apihwa full authority yokuranga nhubu idzo dziri kutyora mitemo yelockdown kunyanya kuHwange.Vemashabeen ndivo vokonzeresa zvikurusa kupararira kwedenda iri reCovid sezvo vanhu vari kuungana.
MuHwange mune macases ari active 400 uye 1898 macumulative cases.Guta iri ndiro rakawoneka riri iro riri kukonzeresa zvikurusa kupararira kwedenda.
Vehutano nevagari vemunharaunda vanoti mabhawa emuzvikona ndiwo ari kukonzera zvakanyanya kupararira kwedenda sezvo vanhu vanenge vakaungana muuhwandu uye vasiri kuteedzera mitemo .
Kuungana kwakarambidzwa,kusanganisira mabhawa uye parufu hapadiwe vanhu vanopfuura 30.Asi zvakadaro vagari vemuHwange havasi kuteedzera mitemo iyi kunyanya kuEpumulanga suburb vanotorarira vachinwa doro.
Mapurisa otanga basa rawo kune wose achaonekwa achityora mitemo iyi.