
Vaimbova mutungamiri wenyika, VaJacob Zuma, vakashayikirwa nomunin’ina wavo Michael Zuma, uyo akashaya mushure mekurwara kwenguva yakareba, acharadzikwa mangwana China.
Zvanga zvakatarisirwa kuti vaimbove mutungamiri wenyika, VaJacob Zuma, vakumbire mukana wekuenda kumariro emunun’una wavo mangwana, asi vaZuma vakangonyarara zvavo varimuJere havasi kumbokumbira mukana uyu sezvirikutarisirwa kuti vaite.
Munin’ina wavaZuma, Khanya, uyo anemakore 77, akaudza TimesLIVE kuti mhuri ichaviga Michael Zuma nemusi weChina nekuti mudzimai wake, MaXulu anga ari muchipatara achirwara nechirwere cheCovid-19.
Khanya akati gadziriro yemariro yapera.
“Hatizive kuti iye [Zuma] achange ariko here kana kuti kwete. Ndakaudza mukadzi wake Bongi Ngema-Zuma nezve chikumbiro ichi, asi handina chokwadi chekuti akazviita here kana kuti kwete. Tichaona,” akadaro mukuru wemhuri yekwa Zuma.
VaZuma vari kupika Jere kwemwedzi 15 nekuda kwekuzvidza dare kwavakaira mushure mekukundikana kumira pamberi pedare ra-magistrate Zondo yekuferefeta nezve state capture yavarikunzi vakaita panguva yavaiva President.