
Vanhu vaviri vakanyura apo vamwe vaviri vakapunyuka mushure mekunge mota yavaifamba nayo yakadonha pazambuko mumugwagwa weDeka unobatanidza Hwange neMsuna paRwizi Zambezi.
Chiitiko ichi chakaitika neChipiri manheru pabhiriji rweDeka.
Vagari vemo vanogara padhuze neDheka vakumbira kuzviremera kuti vakurumidze kugadzirisa mugwagwa uye zambuko rinoyambuka rwizi rweDeka urwo rwatova musungo werufu.