
Vaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, muchinyorwa chavo chavabuditsa pa-social media, vachiudza vatsigiri vavo kuti, zvichienderana nezvavari kupomerwa kubva kuhofisi yemuchuchisi wedunhu reManhattan, vari kutarisira kusungwa nemusi weChipiri.
VaTrump, pachinyorwa chavo chavaisa paplatform yavo vanga vachirudzira vatsigiri vavo vachiti, “PROTEST, TAKE OUR NATION BACK!”
“Nyaya yaVaTrump yotora kunetsa munyika yeAmerica, zvichinzi kana VaTrump vakawanikwa vaine mhosva chichava chidzidzo kune vose vachazotonga nyika yeAmerica,” anodaro Bradley Moss, gweta reWashington rinoshanda mumatare ane chekuita nekuchengetedzwa kwenyika.
Kana VaTrump vakawanikwa vaine mhosva kanova kekutanga munhoroondo yeAmerica kuti aimbove mutungamiri wenyika asungwa.
Munechimwe chiitiko chakapotsa chaita kuti mumwe aimbova President ainge apara mhosva dzezvematongerwo enyika apotse avharirwa mujere, Moss naCohen vakafambira nyaya dzacho kuti Richard Nixon, uyo akasiya chigaro chemutungamiri wenyika muna 1974 mushure mokunge aita musikanzwa wekunyomba Watergate uye akazoregererwa neakazotora chigaro chokuva mutungamiri wenyika VaGerald Ford.
Ndiye ega aimbove mutungamiri weUS akapotsa atarisana nedambudziko raizomuita kuti asungwe, parizvino pari kutarisirwa kusungwa kwaVaTrump.
Zvakaitwa muWhite House zvinonyadzisa, iyezvino VaTrump varikutarisirwa kukwikwidza zvakare semutungamiri wenyika mushure mekukundwa nemumiriri weDemocratic Party, VaJoe Biden munhangemutange ya2020.
Asi kana vachinge vawanikwa vaine mhosva zvinenge zvava kureva kuti havachatenderwi kukwikwidza pachigaro chemutungamiriri wenyika zvehupenyu hwavo hwese.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?