
Varume vaviri vekuBindura vanonzi vakapaza imwe imba yemunharaunda kwakutinhira amai vemumba imomo vakananga navo kuchikomo uko vakanoita zvijana zvokuvarepa zvakaomarara.
Blessing Sande (38) naHupenyu Chitsaka (30) nezuro vakamira pamberi pemutongi wedare reBindura, Samantha Dhlamini vachipomerwa mhosva yekuba pamwe nokubata chibharo.
Hurumende, inotungamirwa naShiella Maribha, inoti musi wa13April, vaviri ava vakapinda nechisimba mumba memumhan’ari ndokurova murume nesimbi kumusana.
Vakaba mari isingazivikanwe uye maserura vasati vamanikidza mukadzi wemumba umu kuenda kugomo kwavakachinjana kumubata chibharo.
Murume akazobatana nevamwe vemuraini ndokutevera ndokuvabatira ikoko.