
Sachigaro webato reCITIZENS Coalition for Change, CCC, Muzvare Thabitha Khumalo, vavimbisa kumisa aimbove mutevedzeri wemutungamiri weMDC Muzvare Thokozani Khupe, kuti vapinde mubato idzva reCCC kana vasina kukumbira ruregerero rwekuparadza mubatanidzwa weMDC Alliance.
Pane fungidziro yakatekeshera yekuti Muzvare Khupe vave kuyedza kutsvaga musha mutsva wezvematongerwo enyika muCCC mushure mekunge vakundwa zvakaipisisa nemutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora.
“Handina kukanganwa zvaakandiitira nevamwe vangu, Khupe anofanirwa kutanga vakumbiria ruregerero. Nemedical aid munonyorera izvozvi muchibhadhara mari yacho asi inotozoshanda mushure memwedzi mitatu, saka Khupe anogobva nekupi achifarira zvibereko zvevamwe. Hatizvibvumire,
Hapana nzira yandingasiya nayo hondo yedemocratic change. Ini ndaive mumwe wevanhu vakaumba MDC muna 2000 uye moyo wangu unobuda ropa ndikaona vanhu vakaita saKhupe naMwonzora vachiparadza sangano,” she added.” vanodaro VaKhumalo.