
Varume vatatu vasina mabasa muHarare neMugovera vakamira pamberi pemutongi wedare reHarare, Judith Taruvinga,vachipomerwa mhosva dzekuba mapassport forms.
Simon Matsika (37), Bisset Chikura (39) naAntony Mubweza (49) vakanzi vagare muchitokisi uye vabhadhare mari yechibatiso $5000 mumwe nemumwe.
Tarisai chitinha uyo anoshanda kuRegistrar-General Office ari Cash Supervisor ndiye akazivisa nyaya iyi.
Mhosva ndeyekuti musi wa1 Chikunguru, Registrar-General Office yakatambira mabox 10 aiva ne20000 mapassport forms kubva kuFidelity Printers neRefiners (Private) Limited ane maserial number 4659001 kusvika 4179000.
Zvisinei, huwandu hwemapassport forms 90 ane serial number dzinoti 417001 kusvika 4175090 akabiwa nemumwe wevashandi vemuRegistrar-General Office yepassport section.
Hurumende inoti rimwe remaform akabiwa raive rakanyorwa zita raPaul Mutatobi.
Mapurisa akaita tsvagurudzo izere, izvo zvakazoita kuti Mubweza asungwe, zvakazobatanidza naChikura.
Matsika akareurura kuti maform aya akange abiwa nemushandi asina kudomwa zita kuOffice yaRegistrar-General.