
Vashandi vatatu vepaGrain Marketing Board vasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuba ma50kgs 190 efotoreza.
Vashandi ava vanoti Philani Ndlovu (47), Calvin Kuedzisa (22) naTafara Kudengeya uyo asina kuziviswa makore ake vanonzi vakaba masaga 190 efotoreza musi wa26 Ndira 2023 kuHwange. Masaga akabiwa aya aiva pasi pePresidential Input Scheme.
Zvinhu zvinokosha mari inoita USD7000 ndizvo zvakabiwa uye zvinokosha USD6 631.60 zvakawanikwa.
Mapurisa achizivisa ati, “Takakwanisa kuwana zvinhu zvinokosa USD6 631.60 pazvinhu zvinokosha USD7000.00 zvakabiwa. Philani Ndlovu (47), Calvin Kuedzisa (22) naTafara Kudengeya vanosevenza paGMB kuHwangwe vakasungwa nekuda kwemhosva iyi.”
By Makhoti