
Mawar-veterians mapfumambwe akasungwa nezuro mushure mekunge vakomba hofisi yegurukota rezvemari, Mthuli Ncube, vachidhimanda mari yepenjeni iri nani.
Varwi vehondo, avo vari nhengo dzeWar Veterans Welfare pressure group, avo vakasungwawo kuNew Government Complex, vakapomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga muvanhu.
Faith Chananda anoti,vanga vachida kuti hurumende ikwidze mari yavo yemudyandigere. “Isu tanga tisiri kuratidzira,” mumwe wevakarwa muhondo akadaro.
Isu tange tichingonamatira kuti dai Covid yachipera.“Takaziviswa kuti bazi rezvemari rakanga raendesa zvichemo zvedu kumapazi ePublic Service nemapazi eHurumende. Isu takazodaidzira kuti tione kopi yetsamba iyo yakatumirwa kumakurukota uye takanzi tiuye nhasi kuzotora. Ndipo patasungwa. ”
Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati havasati vatambira gwaro rechiitiko ichi.