
Varume vaviri vakasungwa vachinzi vakarova mumwe murume kusvika afa nekutadza kuvabhadhara mari yakakwana yetransport , akavapa R10 yetransport iye aifanira kuvapa R20 asi anga asina.
Sibusiso Nkomo (29) naCosmas Dube (36) vese vekuFilabusi havana kubvunzwa kuti vateterere pavakamira pamberi pemutongi weGwanda, vakatarisana nemhosva yavo yekuponda.
Muchuchisi Faith Mutukwa akati vaviri ava vaifamba nemotokari yeHonda Fit
muchakabvu Thulani Moyo ndokumuti abhadhare R20 asi iye aive neR10 chete izvo zvakakonzera kusawirirana zvekusvika pakuzomurova kusvikira afa.
Thulani moyo akvaaudza kuti aingove neR10 chete asi Nkomo naDube vaida mari yavo yakakwana izvo zvakakonzera kunetsana. Vaviri ava vakabva vabatana uye vakamurova zvakaomarara muviri wese. Vanhu vemunharaunda vaivewo panzvimbo yemabhizimusi vakapindira ndokurambidza vaviri ava kurova Thulani .
Miss Mutukwa vakati Nkomo naDube vakatiza kubva munzvimbo iyi nemotokari yavo ndokusiya Moyo akarara pasi mumungwagwa. Moyo akaendeswa kuFilabusi District Hospital.
Miss Mutukwa vakati Moyo akafa mazuva maviri gare gare nekuda kwekukuvara kwakaitika panguva yekurwiswa.
Vati nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvakaita kuti Nkomo naDube vasungwe.