
Varume vaviri vemuHarare, avo vachida kuyedza kupinda muState House,vakaendeswa kudare nemhosva yavo yekuda kuba.
Nigel Rutsito (37) akasungwa pagedhi reState House mushure mekunge anyepa kuti aive nhengo yeCentral Intelligence Organisation (CIO), ukuwo waaiti anoshanda naye Dylan Kanyungwe (24) achida kuona Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.
Rutsito naManyungwe vakamiswa pamberi pemutongi wedare, VaBarbara Mateko, avo vakavapa mukana wekubvisa mari yematare kusvika musiwa14 Gunyana.
Mhosva ndedzekuti musi waChikunguru 17 kuma 4 dzemangwanani, Rutsito akaenda kuState House ndokuudza vashandi vekuchengetedzwa kwegedhi hombe kuti aive nhengo yeCIO uye auya kubasa.
Zvakaita kuti Rutsito abatwe, akakumbirwa chitupa chake chebasa chaakatadza kuburitsa akasungwa.
VaKanyungwe vanonzi vakaenda kunzvimbo dzinogara president vachiti vaida kuona Chiwenga.
Kanyungwe akaita ruzha achida kupinda muState House mushure mekuudzwa kuti Chiwenga anga asimo muState House.