
Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuZvishavane nekuMberengwa, kudunhu reMidlands vari kuferefeta nyaya dzekupondwa kwevanhu vaviri kuburikidza nekurohwa.
Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu iri, vanoti mhosva dzose idzi dzakaparwa nemusi wa16 Nyamavhuvhu.
“Tine nyaya mbiri dzatiri kuferefeta kuZvishavane nekuMberengwa dzevanhu vaviri vakapondwa nekurohwa. Wekutanga akapondwa ainzi Amon Mapingire (34) wekuZvishavane.
“Anonzi aiva nevamwe varume kuma3 mangwanani vasina kuzivikanwa huwandu hwavo apo vakasvikopoyera mumilling complex vaine chinangwa chekuba. Vakabva vaonekwa nevashandi vepo ndokutanga kudzingirirwa apo Amon Mapingire akazobatwa nevashandi vepakambani iyi ndokutanga kurohwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vashandi ava vakaita majana ekurova Mapingire muviri wose akakuvara.
“Vakuru vekambani iyi vakazokwanisa kutakura Mapingire kuenda naye kumapurisa uko akashaika vachienda naye. Taruvinga Gumbo (60) wekuMberengwa anove wechipiri akapondwa akaedza kurwisa munin’ina wake achishandisa demo netsvimbo nenyaya yekuti aipomera nhengo dzemhuri yake kuti vaimuroya,” vanodaro Insp Mahoko.
Murume uyu anonzi aida kurova munin’ina wake, Ndabazawo Msipa (42), apo akazokurirwa akatorerwa demo netsvimbo zvaaida kushandisa achibva azorohwa nazvo iye.
“Taruvinga Gumbo akabva afira panzvimbo nekurohwa uku. Mutumbi wake wakazoendeswa kuchipatara chekuMberengwa uko wainongororwa, zvimwe chetewo nemutumbi waAmon Mapingire wakaendeswawo kuchipatara cheZvishavane,” vanodaro Insp Mahoko.