
Kholisani Nyathi (28) wekuMabutweni naNkosikhona Sibanda (24) wekuLobengula West vakabaya Elvis Dube nechinhu chisingazivikanwe chakapinza mumusoro nemakumbo achibva afira ipapo.
Nyathi naSibanda vakaendeswa kucourt pamberi paMagistrate muBulawayo, Mai Linear Khumalo, vachipomerwa mhosva yekuponda.
Dube akauraiwa paLuveve neCowdray Park Bulawayo. Nyathi naSibanda vakabaya Dube nechinhu chisina kujeka chakapinza mumusoro nezvidya kakawanda ndokufira ipapo. vakamusecha ndokuba nharembozha yake ndokuenda,nharembozha yakawanikwa.