
Vanhu vanobva kuMozambique vakaendeswa pamberi pedare reChipinge magistrate,Mrs Elizabeth Hanzi,vakaonekwa vane mbanje ine 221kg.
Johane Sithole (31) anobva kuBofe Village, Macuu in Chimoio naGift Mutekesa (46) kuCowdray Park, Bulawayo vakaonekwa vasina mhosva.
Musiwa July 24,mapurisa akatambira tip-off,Vaviri ava vaishandisa mota yeIsuzu kutakura mbanje kubva kuMozambique ichienda KuChecheche Growth Point.
KuChecheche-Hwakata Road kwaive ne-roadblock.
Pakavakaona roadblock,mutyairi akadzokera kwaaibva padhuze neHwakata.
Mapurisa akatanga kumhanyisa mota iyi,vakakwanisa kuvabata vakudhuze nekuMutekesa,vakawanikwa vaine 6 times 90kgs dzembanje.