
Mgcini Xaba (32), Pride Sibanda (23) naThembelani Moyo (29) vese vanobva kuCurbray Park suburb vakasiya murume uyu ropa richibuda mumusoro.
Mumwe murume ndiye akaona murume wekubaiwa nebanga akarara pasi padhuze neCowdray Park Garage munguva dzaaienda kumba kwake.
Mumhan’ari akataura achiti murume uyu akarohwa nevarume vatatu nenyaya isina kuzivikanwa.
Insp Ncube vakatuma chikwata chemapurisa kunotsvaga varume ava vakati vakaonekwa vakazara zvipfeko zvavo ropa nebanga reOkapi ravaive vakabata raisatarisika.
Vatatu ava vakaendeswa kuCowdray Park Police Station uko kwavakano taura chokwadi kuti ndivo vakauraya, vachibva vavharirwa.