
Vatambi veNyau vasere vanonzi vari pakutiza mushure mekushungurudza mukomana ane makore gumi nemana nekumumanikidza kudya huku isina kubikwa mu “gule initiation” kuMufakose.
Pavanhu vasere vakabatwa panosanganisira Madhala, Murehwa, Vhigo, Sugar, Mike, Ngoni, Madhala naTakunda avo vanonzi vakamanikidza mukomana ane makore gumi nemana kujoinha zvigure nokumudyisa nyama mbishi zvisina mvumo yake.
Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Tendai Mwanza, vakatsigira nyaya iyi vachiti vanhu vakapomerwa mhosva iyi vakanyengedza mukomana uyu asingade.
“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yemukomana ane makore gumi nemana ekuberekwa uyo akamanikidzwa kudya nyama isina kubikwa nevarume vasere vanofungidzirwa kuti vatambi veNyau,” akadaro Insp Mwanza.