
Pa-video riri pano tirikuona vagari vemuAbuja vaita kukokorodzana vakawanda vakananga paCentral Bank of Nigeria mushure mekunge bhanga iri razivisa kuti mari yemapepa yekare yema-Naira ichatanga kusashanda musi wa10 Kukadzi votanga kushandisa itsva.
Vagari ava chikonzero chavari kuratidzira inyaya yekuti varikutya kuti mari dzose dzavanadzo dzichashaya basa vakazotambura uyewo kushaikwa kwemafuta edzimotokari munyika umu.
Vamwe vachi-commentor padandemutande reTwitter ndivo varikuti vanhu ava varikungonakidzwawo nekuratidzira nekuti havasi vese vane mari mudzimba dzavo saka ngavasiye mari ichinjwe.
Zvisinei dare repamusoro remunyika umu rambomisa kubviswa kwemari yekare.
By Tete Jolah Msalad