
Hurumende yaudza vadzidzisi vezvikoro kuti havana chikonzero chekutadza kuuya kubasa uye vakavarayira kuti vakumbire vane mari kuti vavape vauye kumabasa avo.
Izvi zvinouya mushure mekunge vadzidzisi nguva pfupi yadarika varatidza kuti havana mari yebhazi yekuenda kunzvimbo dzavanoshandira mushure mekunge hurumende yati zvikoro zvivhurwe nekukasika.
Vamwe vadzidzisi vanoti vanofanirwa kutendeukira kune vanokweretesa zvikwereti kuti vakwerete mari dzemabhazi pamitero yakawandisa apo panguva imwe cheteyo kudaidzira kwavo kuti vawane mari yekurarama hakuna akavanzwa.