
Vanhu vanosvika (17) vafa mushure mekurohwa nemheni vachipemberera Musiwe wekufara necelebration yevaviri vachangotanga kuroorana kuBangladesh.
BBC inoti vachati nevamwe (14) vakakuvara.
Mukadzi ayi chata aive asipo pane vaenzi pakaitika njodzi iyi.
Mafaro aya aitwa mungarava kuriverside yeShibganj, kudhuze neimba yevachati pakarohwa vanhu nemheni.
Vaiona izvi zvichiitika vanoti mheni iyi yakarova kakawanda.
KuSouth Asia kunouraiwa vanhu vakawanda nemheni gore rega-rega.
Dhaka Tribune inoti 2 164 vanhu vakauraiwa nemheni kuBangladesh kubva 2011 kusvika gore rakapera.
Vamwe vanoti mhosva inopiwa vaibvisa miti, zvichikonzeresa kurohwa kwevanhu nemheni.