
Makororo matatu emuZimbabwe anga achifamba akapakatira zvombo pamwechete nemumwe murume wekuSouth Africa, vavhiringidza mapurisa ndokuvatorera pfuti ndokubva vatiza kubva mumaoko emapurisa manheru apo pavanga vachitakurwa kubva kunzvimbo yePolokwane Central Correctional kuenda kuMokopane mudunhu reLimpopo.
Vanhu ava vaifambiswa vachimirira kupihwa mutongo wemhosva yekuba vakapakatira zvombo. Mutauriri wemapurisa eLimpopo, Brigadier Motlafela Mojapelo vati vanhu ava chikamu chevamwe vanhu 7 vaitakurwa nemotokari yemapurisa.
Vati mapurisa ekuWestenburg atotanga chirongwa chekutsvaga John Fine (39), Dennis Hove (39), Clifford Matonhori (31) vese vemuZimbabwe, pamwechete naFosos Madisha (40) wekuSouth Africa uyo akapoya ndokubva aba pistol yemapurisa.
“Vakakwanisa kutiza mumotokari yemapurisa mumugwagwa weR101 uri padyo neEerstegoud Trading Store nenguva dza11: 30 manheru,” akadaro Brig Mojapelo.
“Vasungwa vanomwe vaitakurwa kubva kuPolokwane Correctional Centre kuenda kuMokopane kunopihwa mutongo apo vana vavo vanonzi vakatiza. Vasungwa ava zvakare vakakwanisa kutora pfuti yebasa yemupurisa panguva yechiitiko ichi vasati vatizira mumakwenzi aive pedyo. Vamwe vasungwa vatatu vakasara mumotokari. ”
“Ani naani ane ruzivo anokwanisa kubatsira mapurisa kuwana vasungwa ava anofanira kubata Westenburg Detective-Commander Captain Tshikudo pa 0027825658566 kana kuti crime stop number 0027860010111 kana kuti mapurisa ari pedyo navo,” akadaro Brig Mojapelo. Chronicle