
Vanhu vanosvika vashanu vekuLower Gweru vakabatwa necovid-19 vabva kunhamo kwavanga vaenda kwemufi aive kuSouth Africa afa necovi-19 vhiki rapfuura.
Sabhuku vemumusha umu Siziwe Siyapi vakataura vachiti, Mhuri yekwa Ngwenya vaive nehama yaigara kuSouth Africa, yakauya yakaputirwa nebepa afa necovid-19.
Hama dzemufi dzakabatwa necovid-19 dzavhura bepa raive rakavhara coffin rake vachida kuita body viewing.
Sabhuku Sogwala vekuLower Gweru vanoti vakarwadziwa nezvakaita mhuri iyi.
Mitemo yeGovernment inoti parufu panofanirwa kuendwa nevanhu vanosvika (30) kuti tidzivirire chirwere che-Covid-19.