
Vanhu vanosvika (25) vakauraiwa mutsaona dzemumigwagwa dzakasiyana kubva pasvondo rapfuura nekuda kwekumhanyisa mota zvisiri pamutemo.
Vamwe (7) vakafa mutsaona dzakaitika pazororo.
Gore rino musiwe Heroes neDefence Forces, vanhu vanosvika (31) vakakuvara mutsaona dzakaitika dzinosvika (107)
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vakurudzira vatyairi kuti vatevedzere mitemo yemumigwagwa.
Vakati mapurisa akarwadziwa nekuramba kuchirasikirwa nehupenyu mumigwagwa, zvikuru panguva ino.
“Nhengo dzeveruzhinji dzinofanira kucherechedza kuti pasi pemitemo yazvino yeLevel 4 Covid-19, kufamba kuchiri kurambidzwa, chete kutakura zvinhu uye mabasa akakosha anotenderwa,” akadaro. “Ngatitarisei zvibvumirano zvehutano nekuchengeteka zveCovid-19 uye tidzivise mafambiro anokonzeresa tsaona mumigwagwa.
“Kupfeka ma-mask, uye hutsanana hunofanira kukosheswa munharaunda dzedu.
Vhiki rapfuura, vanhu (7), kusanganisira vatatu vemumhuri vakafa apo vamwe vasere vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa dzakasiyan.
Mapurisa anoti pane imwe tsaona yakaitika pa121Km peg pedyo neHarare-Nyamapanda Road musiwa 8 August. Pane imwe mhuri inosvika (3) vakauraiwa nevamwe (4) vakakuvara mushure mekunge silver Honda Fit yavaishandisa yakaputika rear kuvhiri rekurudyi yakapidiguka.
Vakafa vanonzi Cathrine Karidza (87), Tinashe Mhembere (24) naMababa Chiwara (51), vese veChawasarira Village kwaMutoko.