
Mitumbi miviri yevanhu vatatu vakatsakatika mukadziva kadiki karipedyo nerwizi Musogwezi kuMapanzure kuMasvingo Rural panguva yeminamato vachirira nendimi dzekumasowe nemusi weChishanu yawanikwa nhasi.
Mitumbi yawanikwa vatori vebepa nhau reMirror crew ranga riripo richiona chiitiko ichi chokuwanikwa kwemitumbi miviri iyi. Mutumbi wekutanga wawanika nhasi nenguva dza na9 makuseni kuchizotiwo wechipiri wazowaonikwa kuma 3pm.
Mutumbi wechitatu hausati wawanikwa.
Vanhu vatatu vakashaika mushure mekunge vanyura mukadziva ‘kadiki’ kadziva aka kakadzika zve 1 metter kuenda pasi.
Pastor Amos Chituri veAgness Access Apostolic Church vanoti, vanoti chakasakisa kuti vanhu ava vanyure pakadziva aka ndechokuti vakatanga kurira nendimi dzomweya usingazivikanwi ndokubva vasvetukira mumvura ndokubva vafiramo.
Mapurisa anga achiri kunyukura mitumbi iyi kubva mumvura. Masvingo Mirror