
Mutumbi wemusikana wekuBikita Mitchel Musharu (6) uyo akashayikwa nemusi weMugovera svondo radarika wawanikwa musaga rakakandwa mutangi resuweji kuseri kwechitoro chevabereki vake.
Mutauriri wemapurisa ekuMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vakatsinhira nyaya iyi asi havana kukwanisa kupa rumwe ruzivo sezvo vakange vasiri pabasa.
Mutumbi waMitchel Musharu wakawanikwa neChina uye zvisaririra zvake zvichavigwa nhasi kuBikita.
Mitchel akashayikwa nemusi weMugovera svondo radarika nenguva dza6pm achitamba panze pechitoro chevabereki vake paNyika Growth Point.