
Vana vatatu vakafa mushure mekunwa mushonga wemakonzo munharaunda yeBolata kuQwaQwa, Free State.
Amai vevana ava vakaudza mapurisa kuti vaive vaenda kutuckshop iripedyo nepamba pavo vakasiya vana vavo vane makore anotangira pa4 ne16, pamwechete nasisi vevana ava vakuru.
“Amai ava vanoti pavakasvika kumba, vakaona Nolwazi Selepe (4) naTebello Selepe (11) vatofa Kare, mwana wavo mukuru Katleho Selepe aichema nekurwadziwa asi akazofa mushure mekunge [emergency] personnel yasvika,” Makhele anodaro.
Mushonga uyu hauna kuwanikwa urimuimba yakafira vana asi wakawanikwa urimuneimwe imba,yaishandiswa nemwana wavo mukomana mukuru,Makhele anodaro.